Chipungu anoba vana vanjiwa

El ave de rapiña y la paloma

​Kuakange kune Shiri mbiri, shiri mbiri dzakanga dzaizwi Njiva na Chipungu, dzakange dzine hushamwari wakakura maningui, zvino Njiva akange ane Vana wake Chipungu aine vana wachigara pamwechete, vana vaNjiva wakange wakanaka zvekuti, asi vana wachipungu wanga wakashata, tinoziva kuti Chipungu ishiri yakashata.

Zvino zvakati rimwegore, Njiva yakaenda kundotsaka chekudya, Chipungu osara nevana vaNjiva sezvo wakange uriusahamwari nesahamwari, paakashika Njiva akasvikira vana wake watorwa na Chipungu, Chipungu asiya vana wake kwakutamba navana wanjiva, Njiva ouiya azvina kumufadza, ndokuti, Shamwari watira vana vangu ngei? Anzi ha, ndange ndichingotamba navo zvakanaka.

Kuzoti rimwe zuva vaenda kundotsvagazve chekudya, adzoka vana wake vatorwa naChipungu, chipungu akatora vana va njiva otiza navo, chokwadi ungatize nevana wangu? Kuakuchitanga kuimba nziyo yake achitewera.

Canção

“Wachipungu munemari, denderekunde

manditorera vana wangu, denderekunde

muchisiya zvenyu izvi zvinemisoro inemapanda, denderekunde”

Ndokubva asvika pane umwemusha, kwakuchibvunza, Vanhu uiye mambodionerawo Chipungu here? Zvikanzwi, Chipungu Akadarika nepano Svondo rakapera asi ange ane vana wakanaka zvekuti, ndosvikanze pane umwe musha, zvikazwi vanhu uiwe mambondionerawo Chipungu here? Zvazi Chipungu akadarika nepano zona zona, akati vanhu uiya Chipungu angadi daro here kundibira vana vangu vakanaka kusiya zvivana zvake, atanga kutevera achibhururuka, achitevera acigua, achitevera, achiimba.

Wachipungu munemari, denderekunde

manditorera vana wangu, denderekunde

muchisiya zvenyu izvi, denderekunde

zvinemisoro inemapanda, denderekunde

Ndokusvika pane umwe musha akati vanhu uiwe mambodionerawo Chipungu here, zvikanzwi Chipungu adarika nepano zuro chaiko zuro, izvozvi. Fambisai utori muguanza munotomuba, ane vana vakanaka zvekuti vana wacho ndewako iweve, Njiva ndokutanga kutevera achiimba achiimba achiimba hazi kumbonetaba, ndokutindokuchibva asvika pa umwe musha akati vanhu uiwe mambodionerawo Chipungu here, zvanzi Chipungu adarika pano izvozvi izvi hasati asvika kure, ramba muchienda, Njiva ndokuramba achiibhuruka achiimba.

Wachipungu munemari, denderekunde

manditorera vana wangu, denderekunde

muchisiya zvenyu izvi, denderekunde

zvinemisoro inemapanda denderekunde

Haaa! Njiva uiya kakushika pane umwe musha zvikazwi vanhu uiwe mambondionerawo Chipungu here? Zvanzi Chipungu abva pano izvozvi izvi asati asvika kure, ramba uchienda basi atone vana vakanaka vana wakanakisisa ndivako wakafanana neve Njiva iye ndokuenda achimhanya kuakuenda achiimba achiimba ndokubva abatana neChipungu kwakunerana, Chipungu uiya kuakuchibva hafa kwakuchitora vana vake kwaku dzokera kumbakwake. Apa Ndipo pakaperera sarungano.

Saka ngano yangu yadaimba iyi inondidzidzisa kuti imimi vana vadoko, kana muri muChikoro usaita basa rekubira vamwe vanhu macaneta awo kane mabhuku, zvakashata.

Zvakafanana nengano yandaimba, kana vanhuvakuro chaiwo, kune vamwe vanhu wakuru vanababa, anokwanisa kusiya dzimba dzawo wachichiwa misha yevamwe vanhu.

Sake ndaimba nganoyangu.